• Open Daily: 10am - 10pm
    Alley-side Pickup: 10am - 7pm

    3038 Hennepin Ave Minneapolis, MN
    612-822-4611

Open Daily: 10am - 10pm | Alley-side Pickup: 10am - 7pm
3038 Hennepin Ave Minneapolis, MN
612-822-4611
Mafuta Enguruve

Mafuta Enguruve

Paperback

General Fiction

ISBN10: 1914287576
ISBN13: 9781914287572
Publisher: Carnelian Heart Publishing Ltd
Published: Nov 15 2024
Pages: 134
Weight: 0.28
Height: 0.34 Width: 5.06 Depth: 7.81
Language: Shona
MAFUTA ENGURUVE

Ndiani chaizvo anourauya Maisva? Ko sei mhondi ichisiya mari yaMaisva yakadaro iyo yakawanda kudaro iyo mhondi isina kana mari? Chiiko chiri kumboitika? Zviri pachena kuti Mafuta Enguruve inyaya yeutikitivha isina matikitivha pose pose. Inenge inozvitikitivha yega kubva pakutanga kusvika mapurisa vazopinda. Mhondi yacho haisi mhondi chaiyo chaiyo... nokuti inotove nebanga rainoshandisa kuveza migoti yakaisvonaka zvokuti vamwe vana amai vanoichemera kunge siwiti. Banga iroro rine mhere. Hakuna asingarirumbidze. Manyorero aTrust Mutekwa ari pano akafanana nekudhirowa. Nyaya haimhanye sebhiza nokuti Mutekwa anenge achidhirowa vanhu nenyika zvakadzika dzika zvamusati mamboona munovhero reShona. Unonzwa zvonzi: Masamba akaradzika meso ake mumugwagwa waibva pazvitoro wakananga kumavirira. Akaurega wopota neseri kweziware uchinonyura mudondo reDzimidza. Akabva ayeva riya ziware rekuviga mugwagwa. Pamusoro paro paiva nemiti isina kunyanya kuwanda. Paivawo nemafuri nematombo machena nematsvuku ekuti kana uri chinhambwe, zvairatidzika semakwai akazorora zvawo nembudzi... Masamba akaita dzimwe nhanho shoma ndokumbomira zvekare achiteerera mushana seshato pakati pegura. Chaingofamba ndiwo meso aiva zvino adzoswa kusvika ave padundundu pake. Marara emugoti waaiveza akanga asiti nyirinyiti kubva padundundu achidzika nedumbu. Akaumba pfuko nematama ndokubva avhutira Nyamavhuvhu. Marara akabva ati dzvamu...

Also in

General Fiction